Chinangwa chekuburitswa kwemashoko aya, zvichienderana nezvataurwa pamusoro apo, ndechokukupa mashoko ese anodikanwa kunyanya neveGeneral Data Protection Regulation (inonzi “GDPR”).
Kuzivikanwa uye mashoko epanogona kubatwa munhu wacho anoongorora
Compagnie de Saint-Gobain
Saint-Gobain Tower, 12 place de l'Iris
92400 Courbevoie, France
Mashoko epanogona kubatwa Data Protection Officer (DPO)
Kuti ushandise kodzero dzako kana kuti uine mibvunzo nemabatirwo aitwa nyaya yako, tapota tumira chikumbiro chako pakero inotevera: PrivacyContact.CSG.FR@saint-gobain.com
Chinangwa cheongororo iyi
Chinangwa:
Ongororo iyi yaiswa kuitira kuti:
- Vashandi veSaint-Gobain Group uye vamwewo vari kunze, nevamwe vanotsigira pano neapo, kuti vamhan'are:
- mhosva kana kuti kusazvibata zvakanaka;
- kuburitsa pachena kuputswa kwemutemo kwakanyanya wedzimwe nyika uko kwakabvumidzwa neFrance;
- kuburitsa pachena kuputswa kwemutemo kwakanyanyakunokanganisa mamwe masangano nekuda kwezvibvumirano zvedzimwe nyika;
- kuburitswa pachena kuputswa kwemutemo kwakanyanya kana zvibvumirano;
- kutyisidzira kwakanyanya kana kuti kukuvadza zvido zvevazvinji izvo zvinenge zvazivikanwa nemunhu ari kuita chichemo chino;
- kuunganidzwa kwezvamhan’arwa kubva kuvashandi veSaint-Gobain Group vachitaura nezvekusazvibata kwakakodzera kana kuti kuita zvakasiyana nezviri muSaint-Gobain Group's Code of Conduct uyewo zvingangodaro zvichiratidza uori kana kuti kukurudzira kuita zvinhu zvekutengeserana zvisiri pamutemo.
- kuunganidzwa kwezvamhan’arwazviripo kana kuti kwekuzivikanwa kuti pane kuputswa kwakanyanya kwekodzero dzevanhu uye nerusununguko rwavo, utano uye kuchengeteka uye nezvenharaunda, zvichikonzerwa nezviito zveSaint-Gobain Group zvakananga kana kuti zvisina, nezvinenge zvaitwa nevamwe vanowanzopihwa basa navo kana kuti vanovatengesera avo vava neukama hwakanaka hwebhizimusi neSaint-Gobain, kana zviri kuitwa izvi zvakanangana neukama ihwohwo;
- kuunganidzwa kwezvamhan’arwa zvine chekuita nekusazvibata kana kuti zvimwe zviito zvakasiyana chaizvo nezvinotarisirwa pakuzvibata kweSaint-Gobain Group.
Kuongorora kuri pamutemo:
Zvinokarirwa zviri pamutemo: kuongorora uku kwakakodzera kuti kuenderane nezvinotarisirwa pamutemo zvekuti pave nenzira yekumhan'ara nayo, kunyanya zviya zvakanyorwa muArticle L. 225-102-4 yeFrench Commercial Code uye Articles 17.II.2° ne 8.III yemutemo we “Sapin 2”.
Kuva nechido chechokwadi: iyi nzira inoita kuti kuunganidzwa kwekumhan’ara uku kuitwe munhu achizvidira neSaint-Gobain Group (zvinotarisirwa mucode of conduct yavo yemukati). Kumhan’ara ukukunoitwa munhu achizvidira uyewo nokuchenjera nevashandi vemo kana kuti vekunze kana kuti vaye vanomboita vachidaidzwa kuzoshanda.
Mashoko nekuchengetedzwa
- Kumhan’ara kusingashande: usanonokere
- Kuburitsa pachena kusarurama kana kuti kushota: Mwedzi miviri kuti paburitswe pachena kubvumidzwa kana kuti kuongororwa
- Kuburitswa pachena kwekusashandiswa zvakanaka kwenzira iyi kana kuti kushaikwa kwemashoko anokosha: Kupera kwokurangwa uye/kana kuti kutongwa
Kana zvakakodzera, vanhu vanoziviswa kuti mashoko ane chokuita navo ndeekuzvidira here kana kuti kwete uye nekuti kana vakatadza kupindura chii chinoitika.
Vanogamuchira
Mashoko ane chekuita navo anounganidzwa oshandiswa nevanhu vari kuongorora zvamhan’arwa vemuSaint-Gobain Group uyewo ozopihwa vamwe (magweta, nyanzvi, maauditors) nokuda kwechinangwa chekuongorora nekutsvakurudza.
Kuendesa mamwe mashoko kunze kweEuropean Union
Mashoko anenge atorwa anogona kuendeswa kunze kweEuropean Union, kana zvakakodzera kuti zvidaro pazvamhan’arwa zvinenge zvatumirwa, kana zvichizobatsira pakuongorora kuti pane pakanganiswa here. Mashoko aya asati atumirwa, anenge achiongorora nyaya iyi anofanira kuva nechokwadi achishandisa European Commission's Standard Contractual Clauses, kuti vanhu vanokwanisa kuwana mashoko aya vanokwanisa kuachengetedza.
Kodzero dzevanhu
Kana zvakadai, mitemo inokwanisa kukubvumidza kuti uite zvinotevera pamashoko ane chokuita newe:
- Kodzera yokupinda;
- Kodzero yokugadzirisa;
- Kodzero yokudzima;
- Kodzero yokuramba kuongororwa zvese;
- Kodzero yokuramba.
Unewo kodzero yokusarudza kuti mashoko aya ane chekuita newe angaitwa sei kana wafa.
Kana ukaona kuti mushure mokukurukura nesu, kodzero dzako hadzisi kuremekedzwakana kuti mashoko ari muno haasi kuenderana nezviri mumitemo yedu yemashoko, une kodzero yokutaura nevakuru vedu.
Kumhan’ara nyaya parunhare
Kuchengetedzwa kwezita renyu rizingazivikanwe neBKMS® System pamuchazvitsa nyaya yenyu neparunhare. Saint Gobain kana EQS Group havagoni kuwana nhamba dzenyu dzerunhare. Tsanangudzo yenyu yechiitiko ichatapwa neBKMS® System. Mumashure, mazwi amataura ari mufaira rakachengetedzwa anozonyorwa pasi nemushandi we Saint-Gobain ane basa iroro. Kana magadzira postbox yakachengetedzeka mumashure mekumhan’ara nyaya yenyu parunhare, muchawana mashoko panhau yenyu kuburikidza neizwi rakatapwa remushandi weSaint-Gobain ane basa iroro, zvakare munogona kuwedzera zvimwe panyaya yenyu, kana zvichidiwa. Neimwewo nzira, munogona kuwana mukana kupostbox yenyu yakachengetedzeka muchishandisa dandemutande, kutarisa mashoko abva kwatiri uyezve kunyora muchiwedzera zvimwe panyaya yenyu. Kuchengetedza nyaya yenyu yamamhan’ara kana zvamawedzera zvakavanzika, hamukwanisi kuteerera parunhare rwenyu kunyangwe postbox yakachengetedzeka muchishandisa dandemutande.
Mashoko okuwedzera
Mashoko ari pabepa rino anogona kuchinja zvichienderana nezvinodiwa nemitemo yemunzvimbo iyoyo.
Kana uchida kuwana mamwe mashoko ane chekuita nekuongorora mashoko kuri kutaurwa pano, enda papeji yekutanga yezvichemo yeSaint-Gobain.
Unokwanisa kutaura neveSaint-Gobain Group's Privacy Policy pawebhusayithi yedu yebasa inoti: www.saint-gobain.com.
Yakagadziriswa musi wa : 27/06/2022